Chikwata chedare reparamende yekuSouth Sudan chiri munyika, umo chiri kutsvaga rutsigiro kubva kuZimbabwe rwekubatsira nyika iyi pagakava rayo neSudan.
Mukuru wechikwata ichi, Amai Bangout Amin Akech, vaudza vatori venhau mushure mekusangana namutauriri weHouse of Assembly, VaLovemore Moyo, kuti South Sudan inoda zvekupedza gakava pakati payo neSudan murunyararo.
Amai Akech vati nyika yavo iri kunetsana neSudan panyaya yemafuta, miganhu yenyika iyi vakati idzi handidzo nyaya dzingaite kuti nyika mbiri idzi dzirwisane.
Vati South Sudan yakazvipira kushanda neSudan pamwe nekubatsira nyika iyi nemafuta. Vatiwo nyika yavo yakazvipirawo kushanda nekudyidzana nenyika dzese dzemuAfrica. Amai Akech vati vanoshushikana chose kuti nyika dzemuAfrica hadzisi kudyidzana kana kubatsirana sezvadzinofanira kunge dzichiita.
Vatiwo zvakakosha kuti nyika idzi dzizive zvinenge zvichiitika munyika dzadzakavakidzana nadzo kuitira kuti dzikwanise kubatsira kana pachinge pamuka kusawirirana sekuri pakati peSouth Sudan neSudan.
VaMoyo vati Zimbabwe yakazvipira chose kubatsira South Sudan uye vati vaudza chikwata chabva kunyika iyi kuti chigadzirise matambudziko acho murunyararo. Chikwata ichi chazoitawo musangano nemukuru wedare reSenate, Amai Ednah Madzongwe.
Zvichakadai, dare reparamende rakatanga kugara neChipiri zvakare mushure mekuenda kuzororo muna Kurume.
Mutaurariri wedare reHouse of Assembly audza nhengo dzedare iri kuti hadzisi kuzobvumidzwa kutaura pamusoro pebhiri reUrban Councils Ammendment Bill iro rakaunzwa mudare iri sezvo gurukota rezvemamatunhu, VaIgnatius Chombo, vakaenda kumatare edzimhosva vachipikisa bhiri iri pamwe nekuunzwa kwaro mudare.
Bhiri iri rakaunzwa nenhengo yeMDC inotungamirirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaTangwara Matimba vekuBuhera Central, avo vari kuda kuti masimba egurukota iri aderedzwe sezvo masimba avainawo akawandisa uye asiri kushandiswa nemazvo.
Dare iri rinotarisirwa kuzeyawo mamwe mabhiri akaita sebhiri reZimbabwe Human Rights Commission, Electoral Amendment Bill, POSA pamwe nedzimwe nyaya risati ravhara zvakare mwedzi unouuya.
Asi vanokokera MDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti pasi pemutemo hapana chinovamisa kuunza mitemo kudare reparamende kana kuzeya mabhiri nekudaro vari kuenderera mberi nekuita izvi.
Zanu-PF yakatotuma munyori wayo munyaya dzemitemo, VaEmmerson Mnanganwa, kuti vasvitse nyaya iyi mudare.
Hatina kukwanisa kutaura naVaMnangagwa nezvenyaya iyi. Asi nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti zviri kuitwa neZanu-PF kutyora mitemo yenyika uye kuda kudzivirira shanduko.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda nekambani yemagweta yeMbidzo, Muchadehama and Makoni, VaAndrew Makoni, vanoti zviri kuitwa neZanu-PF hazvina nematuro ose.
Newer articles:
- Ethiopia denies Anuak are fleeing violence into South Sudan - Sudan Tribune - 16/05/2012 07:31
- Half of South Sudan facing food shortages, warns UN - BBC News - 16/05/2012 06:00
- South Sudan Senior Minister Visits Israel, Lauds Cooperation - Arutz Sheva - 16/05/2012 05:13
- South Sudan Seeks Zimbabwe Support Over Conflict With Khartoum - Voice of America - 15/05/2012 21:18
- Sudan-South Sudan Conflict: Border Marked By New Trench As Rains Approach - Huffington Post - 15/05/2012 20:53
Older news items
- South Sudan faces finance crunch - Financial Times - 15/05/2012 17:29
- Frontline Health Workers Save Lives - Huffington Post - 15/05/2012 15:19
- Race against time in South Sudan - Reuters AlertNet - 15/05/2012 13:42
- Airlift taking 12000 stranded South Sudanese home - Fox News - 15/05/2012 12:59
- Indian envoy in Sudan, South talks - New Vision - 15/05/2012 11:55
Latest news items (all categories):
- Ramaphosa presses Kiir to implement peace deal ahead of South Sudan’s first elections - 09/10/2026 12:19
- South Sudan steps up Ebola alert after Kenya case - 09/10/2026 12:17
- Laotian man deported by U.S. to South Sudan leaves for Laos after year in detention - 09/10/2026 12:14
- Bullet and blast injuries … and a constant need for blood: inside South Sudan’s overwhelmed trauma wards - 09/10/2026 12:10
- MTN South Sudan and Regulator Pledge Cooperation to Expand Connectivity - 09/10/2026 12:01
See also (all categories):
Random articles (all categories):
- South Sudan army shoots dead 10 protesters: UN - Chicago Tribune - 09/12/2012 16:32
- Elections will breed stability in South Sudan, Museveni tells IGAD - 14/07/2020 11:57
- South Sudan rebels say government violating new cease-fire - 24/01/2014 20:20
- EAC extraordinary summit on COVID-19 postponed on South Sudan request - 15/04/2020 09:15
- South Sudan: Armed groups 'raped, castrated and slit throats of children' - 19/06/2015 08:45
Popular articles:
- Who is the darkest person in the world, according to Guinness World Record? - 25/10/2022 02:34 - Read 150778 times
- School exam results in South Sudan show decline - 01/04/2012 17:58 - Read 28195 times
- Top 10 weakest currency exchange rates in Africa in 2023 - 19/07/2023 00:24 - Read 25309 times
- No oil in troubled waters - 25/03/2014 15:02 - Read 24535 times
- NDSU student from South Sudan receives scholarship - In-Forum - 29/09/2012 01:44 - Read 22493 times